04/03/2024
RWENDO RWEJONI PART 1
I remember zvakamboitika muna 2016 Taishanda ku Mpumalanga taiita basa rekupenda. Taipenda complex so basa raitora nguva kuti ripere. Mari takanzi tetichipihwa after every two weeks. Ndakashamwaridzana nemfes aibvawo Zim ainzi Petros. Aibva pa Chipinge apa. Two weeks dzekutanga dzakapera mushe ndikatoronga kumbo dzokera Pretoria kumba ku weekend. Petros aive wemu Mpumalanga imomo so aisara tozoonana Sunday manheru pandaizodzoka. Yaive Friday maskati kuma 12 tachaisa ndobva ndabuda kunotsvaga kombi. Ku rank kwaive kure and kwaida kunaya so ndakangofamba ndichimisa even ma private mu road. Ndandati fambei kwe about 20mins ndobva mvura yatanga kudonha. Ndobva pamira Ford ranger ye black yaive ne tinted window. Ndakamhanya ndikasvika, window rakaderedzwa wanike mune munhukadzi. Ndakamu kwazisa ndikavhunza kuti aisvika ku taxi rank here. Akagutsurira ndikabva ndapinda. Aitaura Zulu, achiridza ma piano. Mvura yakabva yatanga kupura, mota yakarohwa. Fon yangu yakabva yarira, ndi Petros aibvunza kuti ndawana kombi here nemvura yainaya. Ndakadaira ndichitaura ne Shona kuti mai vaye vasanzwe. Ndikati "ehe ndamirirwa nezi heavy simbi remuno mujoni. Haa joni inevakadzi mfana, ndewerudzi rwuya rwekusada fundo rwekuwanda kudarika mamwe marudzi ose muno. Akapfeka karokwe kachena kaduku duku zvino karikusimuka kachisiya makumbo ose pajekerere, mutsvuku tsvuku ane bvudzi refu dema rinopenya. Haa ndovakadzi ava, ukaisa akadai pamba uchadei chimwe?" Mota yakazodzorwa speed tasvika pa rank ndikabva nda cutter fon call ndikati "ngiyabonga sis" zvikanzi na sisi vaye "kumusha munobva papi nhai mkoma?" Ndakanzwa sendinotsva, kunzwa kuda kunyungudika, kushaiwa kuti sei ndisina kubvira ndafunga kuti mai ava vangave mu Zimbabwean. Ndaida kuvapindura but ndakanzwa nzvimbo zhinji dzeku Zimbabwe dzichiuya mumusoro mangu panguva imwechete. "Ndikuenda ku Pretoria, ndogona kukupai lift kana muchida. Avana kumirira mhinduro vakabva vatongotsika mafuta. Rwendo rwakandi reber