12/09/2018
*Shoko rerudo*
Rinorema kubuda pamuromo
Rurimi nechiveve zete
Shaya gwa-a dzakadero
Kuti urireve zvoramba n'anga
Zvaramba n'anga murapwa achida.
Ndozvarinoitazve,
Shoko rerudo.
Nda... Unoziva ndi...
Ndinofunga ti...
Tadini tango...
Ah haiwa ndobvira...
Wobva waziva radzimba moyo
Ragara hana shoko,
Shoko rinonanzvirisa siriri,
Ndiro chete,
Shoko rerudo.
Rangonzi tsve
Chirega uone hanzvadzisikana
Ih! Unopenga
Ah ko ndikazorohwa
Bva ndichambofunga,
Mumoyo mhinduro irimo
Mumeso mwana unotaura
"Ndinokudai Shumba"
Asi kuti azvireve,
Rinoramba kubuda
Shoko rerudo.
Unozongohwa konzi
Ah. Ndino...
Ah hazviite...
Hii ko mai vakazvinzwa.
Ndaku...mudi...
Ah bva ndada hangu!
Rinogomerwa semwana shoko iri
Ishoko rinovaka ukama,
Ndiro rinotipengesa vazhinji,
Irori...
Shoko rerudo.
*NaJohn T. Guma kubva munaTsekutudza Wezhira.*
* #$oldierthis*
* #$oldierthat*