28/01/2026
_*VANA VECHIKORO VOMBUNYIKIDZWA KUBHADHARA EXTRA LESSONS.*_
MuGromonzi West, ward 4, mubhuku maSabhuku Zimbiru riri pasi paHeadman Murape avo vari mudunhu raMambo Chinamora munzvimbo yeDomboshava, paZimbiru Primary School paberekera mbada.
Mutori (wenhau uno under cover) akazvionera pamhuno sefodya, hutsinye hurikuitika pachikoro apa.
Zvinosuvisa zvikuru kuti vadzidzi vanobva kumhuri dzinoshaya avo vasikangakwanisi kubvisa mari yema extra lessons vanomanikidzwa kumirira vana veshoroma vanenge vachiita maextra lessons kuti vazoenda kumba. Vadzidzi ava vanoswera nenzara vakamirira vana veshoroma vachidzidza zvavo.
Zvinonyanya kurwadza ndezvokuti pane mudzidzisi anodzidzisa vana vegiredhi 7 chidzidzo cheChishona, murandakadzi Puruvheya, ndivo vanobata mari ndivozve vanovharira vana mune imwe imba yokudzidzira
sezvo vanenge vasina kubhadhara mari.
Mukuedza kumbunyikidza vana kuti vabhadhare mari $2 pasvondo kana kuti $8 pamwedzi yema extra lessons, ma'am Puruvheya vavekuvhundutsira vana kuti hakuna vana vanoenda kumba vema extra lessons vasati vapedza. Izvi vanoitira kuti vasabatwe. Musi weMonday 26 January 2026, mutori wenhau uno, akaita hurukuro nevamwe vana vaitamba nhabvu munhandare vakataura kuti vainge vakamirira vanoita ma extra lessons kuti vapedze, ndipo pavanozobvumirwa kuenda kumba. Vana ava vairatidza kushishikana mupfungwa dzavo. Hutsinye hwakadai hauenderani neVision 2030 yakaunzwa naCde ED Mnangagwa, avo vanoda
kuti nyika yedu ibudirire. Chokwadi hutsinye uhu hwakafanana nenyoka inoruma chaisingadyi.
Register iro rinofanirwa kumakwa mangwanani rave kumakwa pavanopedza maextra lessons. Mudzidzisi uyu anozivikanwa noku vhundutsira vana kuti vakaenda kumba vasina kumakisa register kwemazuva matatu, zvoreva kuti vachavadzingwa chikoro. Chokwadi vana vari parumananzombe chaipo, kudai vanoona nezvedzidzo vaita ongororo pachitiko ichi.
Mutori wenhau akaitawo imwe hurukuro nemumwe mubereki uyu anoti akabhadhara mari iyi nokuti vadzidzisi havasi kupihwa mari inovakwana nehurunde. Mubereki uyu anoenderera mberi achiti kana vachinge vabhadhara, vanotsindidzwa kuti vakataure kuti ndiyo tsika yavekuitwa nevadzidzisi ava. Mubereki uyu akazopedzisa achiti mbudzi inodya payakasungirirwa. Hurumende yedu inokurudzira kuti ikodzero yemwana wese kuti avane dzidzo pasina rusaruro. Zvino avo vanotarirwa kunge vachichengetedza vadzidzi ndivo vavekutyora kodzero dzevana vacho, ndiani achavamirira?
Ndakakwanisa kuita imwe hurukuro nemumwe mubereki uyo watichangodoma nezita rokuti Otilia sezvo asingadi kuzivikanwa. Otilia anoti kumbunyikidzwa uku kwakatanga pakavhurwa zvikoro. mubereki uyu anoenderera mberi achiti mukuru wechikoro (Headmaster) havazivi nezvenyaya iyi nokuti munhu asingadi zvevadzidzisi vanotamba nemadhaka pasina mvura.
Chokwadi vakuru vakareva paye pavakati chamuka inyama. Vanhu havachatyi kurarama nenzira dzehukopokopo idzo dzinovapinza muna taisireva. Kumagumo kwazvo vachazodemba voti dai ndakaziva.
Kana kangoma koririsa kanenge koda kubvaruka.