22/05/2021
https://chat.whatsapp.com/KwkffbOdr7FG1qHKxm9ZyK
*RUDO HERE?*
π₯°β€οΈπ€πππππβ£οΈπππ§‘ππβ
*STORY WRITTEN*
*BY*
*QUIFERY FLY*
+263714353406
*CHAPTER ONE*
*Narration*
Rudo Tada akange akagara zvake achiratidza kusagadzikana, zvigunwe zvake zvichirovarova table remuChicken Inn. Ainzwa vanhu vaive kumashure kwake vachitaura zvachiseka nemufaro asi iye pfungwa dzake nemoyo zvaive zvisina kugadzikana zvekuti aitoshaya kuti sei vamwe vanhu vaifara panguva iyi. Mudumbu make ainzwa senge munetunhu twaimufambafamba izvo zvakaita ave nechokwadi kuti pane zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka muupenyu hwake. Akazvibvunza kasingaperi kuti chingava chii asi aishaiwa mhinduro. Akazorasira pfungwa idzi kure nokuti akangofunga kuti pane nyaya dzokubasa dzainge dzisina kumira zvakanaka sezvo aisada kufunga kuti pamwe ingava nyaya yaNeza uyo aisada kufunga nezvake. Muupenyu hwake Rudo akanga asingachade kunzwa nezvaNeza uyo akange aisa upenyu hwake panguva yaChimbetu makore apfuura. Panguva iyi Neza akanga achangobva kupinda munyika achibva mhiri kwamakungwa uko kwaaigarobuda pazvivhitivhiti nenyaya dzinogara dzakadaro.
Nyangwe zvazvo aisada kunzwa aitaura nezvaNeza kwaari, Rudo aiteerera nhaurwa dzese dzine chekuita naNeza dzaibuda muzvivhitivhiti nepainternet kunyangwe zvazvo zhinji dzaimurwadza sezvo Neza wacho aichinjanisa vasikana svusvurandadya dzega dzega, vanemari dzavo uye vanemukurumbira. Izvi aizviita nyika nenyika yaanenge aenda. Aisanyara nazvo sezvo aitoita unhu hwake ihwohu pasina kana kuviga mupinyi zvokuti mapaparazi haainetseka nekutora mifananidzo dzake nevasikana ivava pamwe chete nekunyora zvavanoda.
Neza paakasvika muHarare akatumira Rudo email achimuudza kuti akange adzoka munyika.
Paakapedza honors degree rake rejournalism paUZ, Neza akaenda kuUK uko akanoita masters nePHD achisiya Rudo achichemera rudo rwake nemoyo wakatsemuka nepakati zviya zvinonzi nevarungu heartbroken. Neza akaita m
WhatsApp Group Invite