03/12/2025
HOPE ALIVE Junior School
A technology-oriented Primary School in Mutare, Zim, where kids learn real technology
03/12/2025
08/02/2025
*Zvidzidzo 15 Zveupenyu Nendaramo*
*Lesson Compiled by Uncle Raphael Magondo*
1. Usararamire vanhu, kuda kuvafadza kana kuda kuvasvotesa. Unozvipa pressure isina basa. Zviraramire. Vanogona kunge vasiri kutobatikana nedrama rauri kuvaitira.
2. Usazvipe pressure nezvinhu zveupenyu zvausingakwanisi kushandura. Svikawo paunosiira Mwari. Ukada kuita head on nezvese zvinokuwira, ndiwe unofa.
3. Upenyu hune zvinhu zvinowanika mahuri zvisinganzvengeki. Kurwara, kufa, kusafarirwa nemunhu vese, etc. Haikona kushandisa unnatural methods kunzvenga zvinhu izvi, eg, kuromba, kubata mishonga yekukuvadza vamwe kana kuba. Unozvitangira nhamo nyowani yausingazokuriri, uchifunga kuti wagadzirisa zvinhu.
4. Nyangwe munhu akatadza sei, usabatsire Mwari kuvenga munhu iyeye. Mwari haangoiti basa rekuranga vanhu neshamhu kana vachitadza. Pamwe anoregerera. Usatsamwire Mwari kuti sei asiri kuranga nhingi sezvakaitwa naJonah kuNenivah. Approach yaMwari inosanganisira "regai zvikurirane zvozoonekwa pakukohwa", nyangwe nepo dzimwe nguva achiranga ipapo. (Nanhasi Satan chaiye haasati arangwa)
5. Usakoke vamwe kuti vakubatsire kuvenga munhu. Muvengi vako ndisahwira wepamoyo kune vamwe. Gara uchizviziva.
6. Dzidzawo kuverenga zvikomborero zvaunazvo muupenyu hwako, kwete kungozviona uri munhu weminyama chete. Waunoona vachifara, haisi nyaya yekuwana zvese zvavanoda. Vakadzidza kurarama vachifarirawo zvikomborero zvavanopihwa naMwari, whether zvikuru kana zvidiki.
7. Kukomborerwa naMwari hakuzi kungopihwa mari zhinji kana pfuma zhinji. Hapana mari kana upfumi hunopfuura kuve nemuchato une runyararo, vana vanoteerera, hutano, zvitengeswa zvinotengwa, minda inoibva, hama dzine rudo, etc. Kana uine izvi, uri mupfumi.
8. Usafe wakadadira vanhu kana wabudurira. Hupenyu hunoshanduka wakawarairwa, ukamuka usingachagoni kana kuzvichengeta pachako. Iwa nerudo newaunoona sevari pasi pako. Mumwe musi wachamuka Mwari avaisa padenga.
9. Shanda nesimba, wogutsikana nezvaunowana pane zvaunoshanda. One day at a time. Usararame negodo nevauri kuona sevari pamberi pako. Hakuna munhu anoshanda nesimba asingazocheukirwi naMwari.
10. Usape Mwari timetable yekukukomborera. Jobho aitonamatawo asi nguva yekumanikidzwa yakambomushanyirawo, Mwari vatendera. Usanyanyofarire vhangeri re instant riches or prosperity, kana rinoti kushaya harisi zano raMwari. Mwari anogona kubvumidza zvinetso kuti zvitiwire as a test.
11. Usafarire kugara hupenyu husina hanya naMwari nemhaka yekuti uri kungoona zvinhu zvako zvichiendeka "pasina Mwari". Ndiye ari kutoita zvidaro. Musi waanotarisa divi wawe munyatwa, hakuna kana anogona kugadzirisa zvinhu kana Mwari aridza tsamwa. Tambira kusafe side. Rarama naMwari, mukuendeka kana mukusaendeka kwezvinhu
12. Usaite judge kana kuseka vanhu nezvauri kuona pavari nhasi. Hauzivi zvavakarongerwa naMwari wavo mangwana.
13. Hasha dzinokoka hasha. Hadzishandi pakutsiura mumwe munhu. Kana wada kutsiura munhu, chinoshanda izwi nyoro, kunze kwekuti wada zvekuranga. Asi ziva kuti kuranga nekutsiura zvinhu zvakasiyana. Kuranga kungatyise asi hakushanduri munhu wemukati.
14. Semadiro aunoita kuti zita rako rigare rakachena mumaziso evanhu, usafarirewo kusvipisa zita remumwe. Pese paunotaura zvakaipa pamusoro pemumwe munhu, usingatauriri "nyakutadza", uri kuita inonzi character assassination", ndiko kuti, uri kusvibisa zita remumwe
15. Harisi zano raMwari kuti kana wabatsira munhu, wofamba uchiridza bhosvo kuti munhu wese azvizive. Unogona kutozviwanira chituko ukadaro. Rega Mwari akuite "thank you" ega, even kana vamwe vese vakasazviziva kuti pane wawabatsira. Worse still, ukadzimara waita regret kuti "chandakabatsirira hangu munhu uyu", Mwari ave kutoverenga kuti hauna kubatsira zvachose.
*Philippians | Vafiripi*
*4:8 Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.*
23/02/2024
HOPE ALIVE SENIOR SCHOOL, Bound Beyond The Obvious
23/02/2024
HOPE ALIVE JUNIOR SCHOOL. Bound Beyond The Obvious
Click here to claim your Sponsored Listing.
Location
Category
Contact the school
Telephone
Website
Address
Mutare
Opening Hours
| Monday | 07:00 - 17:00 |
| Tuesday | 07:00 - 17:00 |
| Wednesday | 07:00 - 17:00 |
| Thursday | 07:00 - 17:00 |
| Friday | 07:00 - 17:00 |